RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nehemiya 9:10, 11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Makabva maitira Farao nevashandi vake vese nevanhu vese vemunyika yake zviratidzo nezvishamiso,+ nekuti maiziva kuti vaizvikudza+ pamberi pavo. Makaita kuti zita renyu rive nemukurumbira uchiripo nanhasi.+ 11 Makakamura gungwa pamberi pavo, zvekuti vakayambuka gungwa nepakaoma,+ uye makakanda vaivatevera munzvimbo dzakadzika, sedombo rakandwa mumvura isina kugadzikana.+

  • Pisarema 78:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Akakamura gungwa kuti vayambuke,

      Uye akaita kuti mvura imire semadziro.+

  • Pisarema 136:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Akakamura Gungwa Dzvuku nepakati,+

      Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.

  • Isaya 63:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Iye akaita kuti ruoko rwake runokudzwa ruende neruoko rwerudyi rwaMozisi,+

      Iye akakamura mvura pamberi pavo+

      Kuti zita rake rive nemukurumbira nekusingaperi,+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe