21 Israeri akabva atuma nhume kuna Sihoni, mambo wevaAmori, achiti:+ 22 “Tibvumireiwo kupfuura nemunyika yenyu. Hatizotsaukiri muminda yembesa kana yemizambiringa. Hatizonwi kana mvura yemumatsime. Tichafamba neMugwagwa Wamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”+