-
Revhitiko 15:4-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 “‘Mubhedha wese unorarwa nemunhu ane zvinoyerera uchava usina kuchena, uye chinhu chese chaanogara pachiri chichava chisina kuchena. 5 Munhu anobata mubhedha wake anofanira kugeza zvipfeko zvake, uye anofanira kugeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.+ 6 Munhu wese anogara pachinhu chakagarwa nemunhu ane zvinoyerera anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.
-