-
Dheuteronomi 14:28, 29Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
28 “Panopera makore matatu ega ega, unofanira kuuya nechegumi chese chezvibereko zvako zvegore iroro, wozviisa mukati memaguta ako.+ 29 MuRevhi, uyo asina nhaka kana mugove pamwe chete newe, mutorwa, nherera, nechirikadzi vari mukati memaguta ako, vachauya, vodya voguta,+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pane zvese zvaunoita.+
-