-
Numeri 14:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 Ungano yese yakabva yaita zhowezhowe, uye vanhu vakaramba vachiridza mhere, uye vachichema usiku ihwohwo hwese.+ 2 VaIsraeri vese vakatanga kugunun’unira Mozisi naAroni,+ uye ungano yese yakatanga kutaura zvakaipa kwavari, ichiti: “Dai takafira hedu munyika yeIjipiti, kana kuti dai takafira hedu murenje rino! 3 Jehovha ari kutiendeserei kunyika iyi kuti tiurayiwe nebakatwa?+ Madzimai edu nevana vedu vachapambwa.+ Hazvisi nani here kuti tidzokere hedu kuIjipiti?”+
-