-
Vatongi 13:19, 20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
19 Manoa akabva atora mbudzi diki nemupiro wezviyo,* akazvipa kuna Jehovha padombo. Uye Mwari akanga achiita zvinoshamisa, Manoa nemudzimai wake vakatarisa. 20 Rimi remoto zvaraikwira kudenga richibva paatari, ngirozi yaJehovha yakakwira iri murimi racho raibva paatari, Manoa nemudzimai wake vakatarisa. Vakabva vazvambarara vakaisa zviso zvavo pasi.
-