-
2 Samueri 5:23, 24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Dhavhidhi akabvunza Jehovha, asi iye akati: “Usaenda wakavananga. Asi pota nekuseri kwavo, uvarwise uri mberi kwemakwenzi emibheka. 24 Uye paunonzwa ruzha pamusoro pemakwenzi emibheka runenge rwevanhu vari kufora, ibva wakurumidza kuona zvekuita, nekuti Jehovha achange aenda mberi kwako kunoparadza uto revaFiristiya.”
-
-
2 Madzimambo 6:15, 16Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 Mushandi* wemunhu waMwari wechokwadi paakafumomuka achibva abuda panze, akaona kuti uto raiva nemabhiza nengoro dzehondo rakanga rakomba guta. Mushandi wake akabva ati kwaari: “Maiwee, tenzi wangu kani! Tichaita seiko?” 16 Asi iye akati: “Usatya!+ Nekuti vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.”+
-