RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Numeri 11:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Ndichaburuka,+ ndotaura newe ipapo,+ uye ndichatora mumwe mweya+ wangu uri pauri ndouisa pavari, uye vachakubatsira kutakura mutoro wevanhu vacho kuti urege kuutakura wega.+

  • Vatongi 3:9, 10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 VaIsraeri pavakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,+ Jehovha akavapa muponesi kuti avanunure,+ ainzi Otinieri+ mwanakomana waKenazi, munin’ina waKarebhi. 10 Mweya waJehovha wakauya paari,+ akava mutongi waIsraeri. Paakaenda kunorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimu mambo weMesopotamiya* muruoko rwake, zvekuti akakunda Kushani-rishataimu.

  • 1 Samueri 10:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Mweya waJehovha uchakupa simba,+ uye uchaprofita pamwe chete navo wochinjwa kuva mumwe munhu.+

  • 2 Samueri 23:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  2 Mweya waJehovha wakataura nekwandiri;+

      Shoko rake raiva parurimi rwangu.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe