-
2 Samueri 9:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Mefibhosheti mwanakomana waJonatani mwanakomana waSauro paakapinda maiva naDhavhidhi, akabva apfugama, akadzikisa musoro wake. Dhavhidhi akabva ati: “Mefibhosheti!” iye akati: “Ndiri pano ishe wangu.” 7 Dhavhidhi akati kwaari: “Usatya, nekuti chokwadi ndichakuratidza rudo rusingachinji+ nemhaka yababa vako Jonatani, uye ndichakudzorera munda wese wasekuru vako Sauro, uye uchadya* patafura yangu nguva dzese.”+
-