RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 49:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Tsvimbo yeumambo haizobvi kuna Judha,+ uye mudonzvo wemutungamiriri hauzobvi pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro* auya,+ uye marudzi achamuteerera.+

  • 1 Samueri 15:24
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 24 Sauro akabva ati kuna Samueri: “Ndakatadza, nekuti handina kuteerera murayiro waJehovha nemashoko enyu, nekuti ndakatya vanhu ndikateerera zvavakataura.

  • 1 Samueri 15:28
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 28 Samueri akabva ati kwaari: “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva pauri nhasi, uye achahupa mumwe wako ari nani panewe.+

  • 1 Samueri 16:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Saka Samueri akatora nyanga yemafuta,+ akamuzodza vakoma vake varipo. Mweya waJehovha wakatanga kupa Dhavhidhi simba kubva pazuva iroro zvichienda mberi.+ Gare gare Samueri akasimuka, akaenda kuRama.+

  • 2 Samueri 5:4, 5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Dhavhidhi aiva nemakore 30 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 40.+ 5 Akatonga Judha muHebroni kwemakore 7 nemwedzi 6, uye akatonga vaIsraeri vese nevaJudha muJerusarema+ kwemakore 33.

  • 1 Makoronike 11:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya kwaiva namambo kuHebroni, uye Dhavhidhi akaita sungano navo pamberi paJehovha muHebroni. Vakabva vazodza Dhavhidhi kuva mambo wevaIsraeri,+ sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Samueri.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe