-
2 Makoronike 6:18-21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 “Asi chokwadi Mwari angagara nevanhu panyika here?+ Onai! Hamungakwani mumatenga, mumatenga ekumatenga;+ ko kuzoti muimba iyi yandavaka!+ 19 Jehovha Mwari wangu teererai munyengetero wemuranda wenyu nekukumbira kwake kunzwirwa nyasha, uye teererai kuchemera kubatsirwa kwemuranda wenyu uye munyengetero wake waari kunyengetera pamberi penyu. 20 Maziso enyu ngaagare akatarisa kuimba iyi siku nesikati, kunzvimbo yamakati muchaisa zita renyu,+ kuti muteerere munyengetero unopiwa nemuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino. 21 Uye teererai kuteterera kwemuranda wenyu achikumbira kubatsirwa nekuteterera kwevanhu venyu vaIsraeri pavanonyengetera vakatarisa kunzvimbo ino,+ uye inzwai muri kunzvimbo yenyu yamunogara, iko kudenga;+ vanzweiwo muvakanganwire.+
-