RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 9:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Ani naani anodeura ropa remunhu, ropa rake richadeurwawo nemunhu,+ nekuti Mwari akaita munhu nemufananidzo wake.+

  • Eksodho 21:14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Kana munhu akatsamwira mumwe wake zvekuti anomuuraya nemaune,+ kunyange kana akapotera paatari yangu, munofanira kumutora momuuraya.+

  • Numeri 35:33
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 33 “‘Hamufaniri kusvibisa nyika yamunogara, nekuti ropa rinosvibisa nyika,+ uye ropa rakadeurwa harikwanisi kuyananisirwa kunze kwekunge pashandiswa ropa remunhu akarideura.+

  • Dheuteronomi 19:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Haufaniri* kumunzwira tsitsi, uye unofanira kubvisa mhosva yeropa risina mhaka pakati paIsraeri,+ kuti zvikufambire zvakanaka.

  • 1 Madzimambo 2:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 “Iwe unonyatsozivawo zvandakaitirwa naJoabhi mwanakomana waZeruya, zvaakaitira vakuru vaviri vemauto aIsraeri, Abhineri+ mwanakomana waNeri naAmasa+ mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akadeura ropa+ iyo isiri nguva yehondo, uye akaisa ropa rehondo pabhandi raiva muchiuno chake nepashangu dzaiva mutsoka dzake.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe