-
1 Madzimambo 8:14-21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 Mambo akabva atendeuka, akatanga kukomborera ungano yese yaIsraeri, ungano yese yaIsraeri yakamira.+ 15 Akati: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, uyo azadzisa neruoko rwake zvaakavimbisa baba vangu Dhavhidhi nemuromo wake achiti, 16 ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsraeri muIjipiti, handina kusarudza guta pamadzinza ese aIsraeri rekuti zita rangu rivakirwe imba kuti rirambe riri ipapo,+ asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atungamirire vanhu vangu vaIsraeri.’ 17 Baba vangu Dhavhidhi vaiva nechido mumwoyo mavo chekuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.+ 18 Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Waiva nechido mumwoyo mako chekuvakira zita rangu imba, uye wakaita zvakanaka nekuva nechido ichi mumwoyo mako. 19 Zvisinei, iwe hauzovaki imba yacho, asi mwanakomana wako wauchabereka* ndiye achavakira zita rangu imba.’+ 20 Jehovha azadzisa vimbiso yaakaita, nekuti ndatevera baba vangu Dhavhidhi pakutonga ndikagara pachigaro cheumambo chaIsraeri sezvakavimbiswa naJehovha. Ndavakirawo zita raJehovha Mwari waIsraeri imba+ 21 uye ndagadzira pekuisira Areka ine sungano+ yakaitwa naJehovha nemadzitateguru edu paakanga achivabudisa munyika yeIjipiti.”
-