Numeri 31:2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 “Tsiva+ vaMidhiyani+ zvavakaitira vaIsraeri. Kana wadaro uchaiswa kwakaiswa vanhu vekwako.”*+ Joshua 8:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Usatya kana kuvhunduka.+ Tora varume vese vehondo, muende kunorwisa Ai. Ona, ndaisa mambo weAi, nevanhu vake, neguta rake, nenyika yake, mumaoko ako.+ Vatongi 1:1, 2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 1 Pashure pekufa kwaJoshua,+ vaIsraeri* vakabvunza Jehovha+ vachiti: “Pakati pedu ndiani achatanga kuenda kunorwisa vaKenani?” 2 Jehovha akapindura kuti: “Judha ndiye achaenda.+ Inzwai! Ndiri kuisa* nyika yacho mumaoko ake.” 1 Samueri 15:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Saka enda unouraya vaAmareki,+ wovaparadza+ pamwe chete nezvese zvavainazvo. Hapana waunofanira kusiya ari mupenyu;* unofanira kuvauraya,+ varume nevakadzi, vana nevanoyamwa, mombe nemakwai, ngamera nemadhongi.’”+
8 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Usatya kana kuvhunduka.+ Tora varume vese vehondo, muende kunorwisa Ai. Ona, ndaisa mambo weAi, nevanhu vake, neguta rake, nenyika yake, mumaoko ako.+
1 Pashure pekufa kwaJoshua,+ vaIsraeri* vakabvunza Jehovha+ vachiti: “Pakati pedu ndiani achatanga kuenda kunorwisa vaKenani?” 2 Jehovha akapindura kuti: “Judha ndiye achaenda.+ Inzwai! Ndiri kuisa* nyika yacho mumaoko ake.”
3 Saka enda unouraya vaAmareki,+ wovaparadza+ pamwe chete nezvese zvavainazvo. Hapana waunofanira kusiya ari mupenyu;* unofanira kuvauraya,+ varume nevakadzi, vana nevanoyamwa, mombe nemakwai, ngamera nemadhongi.’”+