RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 4:8-10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 “‘Achabvisa mafuta ese emukono wacho wechibayiro chechivi, kusanganisira mafuta emudumbu, uye mafuta ese akabatira paura, 9 uye itsvo mbiri nemafuta ese akadzipoteredza. Paanobvisa itsvo dzacho, achabvisawo mafuta ari pachiropa.+ 10 Zvichange zvakafanana nezvinobviswa pamukono wemombe wechibayiro cherugare.+ Uye mupristi anofanira kuita kuti zvipfungaire pamusoro peatari yekupisira zvibayiro.

  • 1 Madzimambo 8:64-66
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 64 Pazuva iroro mambo akatsvenesa pakati pechivanze chiri pamberi peimba yaJehovha, nekuti ipapo ndipo paakanga ava kuda kupira zvibayiro zvinopiswa, mipiro yezviyo* nemafuta ezvibayiro zverugare, nekuti atari yemhangura+ iri pamberi paJehovha yaiva diki zvekuti yakanga isingakwani zvibayiro zvinopiswa, mipiro yezviyo nemafuta+ ezvibayiro zverugare. 65 Panguva iyoyo Soromoni akaita mutambo+ aine vaIsraeri vese, ungano huru yevanhu vakauya vachibva kuRebhohamati* kusvika kuRwizi* rweIjipiti,+ pamberi paJehovha Mwari wedu kwemazuva 7 nemamwe mazuva 7, ese akaita mazuva 14. 66 Pazuva rakatevera,* akaita kuti vanhu vaende, uye vakakomborera mambo vakaenda kudzimba dzavo vachifara chaizvo uye vaine mwoyo yaifara, vachifarira zvakanaka zvese+ zvakanga zvaitwa naJehovha kumuranda wake Dhavhidhi nevanhu vake vaIsraeri.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe