-
Genesisi 22:10-12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Abrahamu akabva atambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake.+ 11 Asi ngirozi yaJehovha yakashevedzera kwaari iri kudenga ichiti: “Abrahamu, Abrahamu!” iye akapindura kuti: “Ndiri pano!” 12 Yakabva yati: “Usauraya mukomana uye usatomboita kana chii zvacho kwaari, nekuti iye zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari nekuti hauna kundinyima mwanakomana wako, iye mumwe chete.”+
-