-
2 Madzimambo 13:4, 5Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Kwapera nguva, Jehoahazi akateterera Jehovha kuti amunzwire nyasha, uye Jehovha akamunzwa, nekuti akanga aona kudzvinyirirwa kwaiitwa Israeri namambo weSiriya.+ 5 Saka Jehovha akapa vaIsraeri muponesi+ kuti avasunungure paudzvinyiriri hweSiriya, uye vaIsraeri vakanga vava kukwanisa kugara mumisha yavo sezvavaimboita.*
-