5 “Ndichauya pedyo nemi kuti ndikutongei, uye handizononoki kupupura ndichipa mhosva varoyi+ nemhombwe, nevaya vanoita mhiko dzenhema,+ nevaya vanobiridzira munhu wemaricho,+ chirikadzi nenherera,+ uye vaya vanoramba kubatsira vatorwa.+ Vanhu ava havana kunditya,” anodaro Jehovha wemauto.