Eksodho 13:21 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Jehovha akanga achifamba mberi kwavo masikati ari mushongwe yegore achivatungamirira munzira,+ uye usiku ari mushongwe yemoto kuti avape chiedza, kuti vakwanise kufamba masikati neusiku.+ Eksodho 14:20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 20 Saka yakapinda pakati pemusasa wevaIjipiti nemusasa waIsraeri.+ Kune rumwe rutivi yaiva gore dema. Kune rumwe rutivi yaivheneka usiku.+ Saka hapana vakaswedera kwaiva nevamwe usiku hwese. Eksodho 14:24 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 24 Panguva yekurinda kwemangwanani* Jehovha akatarisa vaIjipiti ari mushongwe yemoto negore,+ akavhiringidza vaIjipiti.
21 Jehovha akanga achifamba mberi kwavo masikati ari mushongwe yegore achivatungamirira munzira,+ uye usiku ari mushongwe yemoto kuti avape chiedza, kuti vakwanise kufamba masikati neusiku.+
20 Saka yakapinda pakati pemusasa wevaIjipiti nemusasa waIsraeri.+ Kune rumwe rutivi yaiva gore dema. Kune rumwe rutivi yaivheneka usiku.+ Saka hapana vakaswedera kwaiva nevamwe usiku hwese.
24 Panguva yekurinda kwemangwanani* Jehovha akatarisa vaIjipiti ari mushongwe yemoto negore,+ akavhiringidza vaIjipiti.