5 Chokwadi makaita zvinhu zvizhinji,
Haiwa Jehovha Mwari wangu,
Mabasa enyu anoshamisa mazhinji uye zvamunofunga nezvedu zvakawanda.+
Hakuna mumwe angaenzaniswa nemi;+
Kudai ndaida kuedza kuarondedzera uye kutaura nezvawo,
Aizondiwandira zvekutadza kuatsanangura!+