14 “Inzwai! Ndava pedyo nekufa, uye munonyatsoziva nemwoyo yenyu yese nemweya yenyu yese kuti pane zvese zvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu hapana kana shoko rimwe chete rakakundikana. Zvese zvakaitika muchizviona. Hapana kana shoko rimwe chete pavimbiso idzodzo rakakundikana.+