7 Akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,
Uyo anoisa tariro yake muna Jehovha.+
8 Achaita semuti wakadyarwa pedyo nemvura,
Unoendesa midzi yawo kurukova.
Haazozvioni kuti kwava kupisa,
Asi mashizha ake achagara akasvibirira.+
Uye haazonetseki gore rakusinganayi mvura,
Uyewo haazoregi kubereka zvibereko.