RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 3:19
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 Uchadya zvekudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nekuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+

  • Jobho 34:14, 15
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Kana akaisa mwoyo wake pavari,

      Kana akatora simba ravo reupenyu* nemhepo yavanofema,+

      15 Vanhu vese vangaparara* pamwe chete,

      Uye vanhu vangadzokera kuguruva.+

  • Pisarema 146:3, 4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  3 Musavimba nemachinda,*

      Kana nemwanakomana wemunhu, asingagoni kuunza ruponeso.+

       4 Simba rake reupenyu rinobuda, iye odzokera kuvhu;+

      Zuva iroro chairo pfungwa dzake dzinoparara.+

  • Muparidzi 3:19, 20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 nekuti kune magumo evanhu nemagumo emhuka; zvese zvinoguma zvakafanana.+ Kufa kunoita chimwe, ndiko kufa kunoita chimwe chacho; zvese zvine simba reupenyu rimwe chete.+ Saka munhu hapana paanopfuura mhuka, nekuti zvese hazvina zvazvinobatsira. 20 Zvese zvinoenda kunzvimbo imwe chete.+ Zvese zvinobva kuguruva,+ uye zvese zvinodzokera kuguruva.+

  • Muparidzi 12:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Guruva robva radzokera panyika,+ sezvarakanga rakaita, uye simba reupenyu rodzokera kuna Mwari wechokwadi akaripa.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe