24 “Saka munhu wese anonzwa mashoko angu aya oatevedzera achafanana nemurume akangwara, akavakira imba yake paruware.+ 25 Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo nesimba, asi haina kuwa, nekuti yakanga yakavakirwa paruware.