21 Vachavaka dzimba vogaramo,+
Uye vachadyara minda yemizambiringa vodya michero yayo.+
22 Havazovaki kuti mumwe munhu agare,
Kana kudyara kuti mumwe munhu adye.
Nekuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva emuti,+
Uye vanhu vandakasarudza vachanyatsofadzwa nebasa remaoko avo.