1 Madzimambo 10:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Saka akati kuna mambo: “Mashoko andakanzwa nezvenyu ndiri kunyika yangu pamusoro pemabasa amakaita* uye pamusoro peuchenjeri hwenyu aiva echokwadi. 1 Madzimambo 10:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Vanofara varume vanoita basa renyu, uye vanofara vashandi venyu vanomira pamberi penyu nguva dzese, vachiteerera uchenjeri hwenyu!+ Pisarema 37:30 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 30 Muromo wemunhu akarurama unopa uchenjeri,*Uye rurimi rwake runotaura nezvekururama.+ Ruka 4:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Vese vakatanga kumupupurira zvakanaka vachishamiswa nemashoko anofadza aibuda mumuromo make,+ vachiti: “Haasi iye mwanakomana waJosefa here uyu?”+ VaEfeso 4:29 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu,+ asi shoko rakanaka rinovaka panguva yakakodzera, kuti vanonzwa vabatsirwe.+
6 Saka akati kuna mambo: “Mashoko andakanzwa nezvenyu ndiri kunyika yangu pamusoro pemabasa amakaita* uye pamusoro peuchenjeri hwenyu aiva echokwadi.
8 Vanofara varume vanoita basa renyu, uye vanofara vashandi venyu vanomira pamberi penyu nguva dzese, vachiteerera uchenjeri hwenyu!+
22 Vese vakatanga kumupupurira zvakanaka vachishamiswa nemashoko anofadza aibuda mumuromo make,+ vachiti: “Haasi iye mwanakomana waJosefa here uyu?”+
29 Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu,+ asi shoko rakanaka rinovaka panguva yakakodzera, kuti vanonzwa vabatsirwe.+