VaRoma 8:34 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 34 Ndiani achavawanira mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, uye kupfuura izvozvo, ndiye akatomutswa kuvakafa, ndiye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari+ uye ndiyewo anoteterera achitimiririra.+ VaHebheru 7:25 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 25 Saka anokwanisawo kuponesa zvakakwana vaya vanosvika kuna Mwari nekwaari, nekuti anogara ari mupenyu achiteterera kuna Mwari achivamiririra.+ VaHebheru 9:26 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 26 Kudai zvakanga zvakadaro, aizofanira kutambura kakawanda kubvira pakuvambwa kwenyika. Asi iye zvino akazviratidza pachena kamwe chete zvikabva zvakwana, pakuguma kwemamiriro acho ezvinhu* kuti abvise chivi nechibayiro chake pachake.+ 1 Johani 2:1, 2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 Vana vangu, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine mubatsiri* ari kuna Baba, iye Jesu Kristu,+ akarurama.+ 2 Iye chibayiro chekufukidza*+ zvivi zvedu,+ kwete zvedu chete asiwo zvenyika yese.+
34 Ndiani achavawanira mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, uye kupfuura izvozvo, ndiye akatomutswa kuvakafa, ndiye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari+ uye ndiyewo anoteterera achitimiririra.+
25 Saka anokwanisawo kuponesa zvakakwana vaya vanosvika kuna Mwari nekwaari, nekuti anogara ari mupenyu achiteterera kuna Mwari achivamiririra.+
26 Kudai zvakanga zvakadaro, aizofanira kutambura kakawanda kubvira pakuvambwa kwenyika. Asi iye zvino akazviratidza pachena kamwe chete zvikabva zvakwana, pakuguma kwemamiriro acho ezvinhu* kuti abvise chivi nechibayiro chake pachake.+
2 Vana vangu, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine mubatsiri* ari kuna Baba, iye Jesu Kristu,+ akarurama.+ 2 Iye chibayiro chekufukidza*+ zvivi zvedu,+ kwete zvedu chete asiwo zvenyika yese.+