9 Kwira mugomo refu,
Iwe mukadzi ari kuunzira Ziyoni mashoko akanaka.+
Shevedzera nesimba,
Iwe mukadzi ari kuunzira Jerusarema mashoko akanaka.
Shevedzera, usatya.
Zivisa maguta eJudha kuti: “Hoyu Mwari wenyu.”+
10 Inzwai! Changamire Ishe Jehovha achauya nesimba,
Uye ruoko rwake ruchamutongera.+
Inzwai! Mubayiro wake anawo,
Uye mubhadharo waanopa uri pamberi pake.+