Eksodho 9:15, 16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Nekuti kutaura kuno ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndakakurova nedenda rinoparadza, iwe nevanhu vako, uye mungadai musisipo* panyika. 16 Asi ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.+ Eksodho 14:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Kana ndiri ini, ndiri kurega mwoyo yevaIjipiti ichioma, zvekuti vachavatevera; saka ndichaita kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ese, kungoro dzake dzehondo, nekuvarwi vake vakatasva mabhiza.+ VaRoma 9:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Nekuti rugwaro runoti kuna Farao: “Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”+
15 Nekuti kutaura kuno ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndakakurova nedenda rinoparadza, iwe nevanhu vako, uye mungadai musisipo* panyika. 16 Asi ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.+
17 Kana ndiri ini, ndiri kurega mwoyo yevaIjipiti ichioma, zvekuti vachavatevera; saka ndichaita kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ese, kungoro dzake dzehondo, nekuvarwi vake vakatasva mabhiza.+
17 Nekuti rugwaro runoti kuna Farao: “Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”+