11 ‘Zuva iroro ndichamutsa dumba raDhavhidhi+ rakawa.
Ndichagadzira makaputswa,
Uye ndichavaka pamatongo aro;
Ndicharivaka rodzokera pane zvarakanga rakaita kare,+
12 Kuti vatore zvakasara zveEdhomu,+
Nemarudzi ese anodanwa nezita rangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, iye ari kuita izvi.