RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 11:16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Uye pachava nemugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nekuda kwevashoma vasara pavanhu vake,+

      Sewaivapo kuvaIsraeri pazuva ravakabuda munyika yeIjipiti.

  • Mateu 3:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Mumazuva iwayo Johani+ Mubhabhatidzi akauya achiparidza+ murenje* reJudhiya,

  • Mateu 3:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Uyu ndiye wacho akataurwa nezvake nekumuprofita Isaya+ zvichinzi: “Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+

  • Mako 1:2-4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Sekunyorwa kwazvakaitwa nemuprofita Isaya, kuti: “(Inzwa! Ndiri kutuma nhume yangu pamberi pako, ichafanogadzira nzira yako.)+ 3 Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+ 4 Johani Mubhabhatidzi aiva murenje,* achiparidza rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza kuti zvivi zvikanganwirwe.+

  • Ruka 3:3-6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Saka akatenderera nharaunda yese yakapoteredza Jodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza kuti zvivi zvikanganwirwe,+ 4 sekunyorwa kwazvakaitwa mubhuku remashoko emuprofita Isaya, kuti: “Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.+ 5 Mapani ese anofanira kufushirwa, uye makomo ese nezvikomo zvese zvinofanira kuparadzirwa; nzira dzakamonyoroka dzinofanira kutwasuka, uye migwagwa yese isina kuenzana inofanira kuti chechetere; 6 uye vanhu vese vachaona ruponeso rwaMwari.’”*+

  • Johani 1:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Iye akati: “Ndiri inzwi remumwe munhu ari kushevedzera ari murenje, achiti, ‘Itai kuti nzira yaJehovha* iti twasu,’+ sezvakataurwa nemuprofita Isaya.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe