RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 7:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Asi ini, ndicharega mwoyo waFarao uchioma,+ uye ndichaita kuti zviratidzo nezvishamiso zvangu zviwande munyika yeIjipiti.+

  • Eksodho 7:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 Uye vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha+ pandichatambanudzira Ijipiti ruoko rwangu, ndobudisa vaIsraeri pakati pavo.”

  • Eksodho 9:15, 16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 15 Nekuti kutaura kuno ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndakakurova nedenda rinoparadza, iwe nevanhu vako, uye mungadai musisipo* panyika. 16 Asi ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.+

  • Dheuteronomi 4:34
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 34 Kana kuti Mwari akamboedza kuzvitorera rudzi pakati perumwe rudzi achishandisa mitongo,* zviratidzo, zvishamiso,+ nehondo,+ neruoko rune simba,+ neruoko rwakatambanudzwa, uye nemabasa anotyisa,+ sezvamakaitirwa naJehovha Mwari wenyu muIjipiti makatarisa here?

  • 2 Samueri 7:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Nderupi rumwe rudzi panyika rwakaita sevanhu venyu vaIsraeri?+ Mwari akaenda akanovadzikinura kuti vave vanhu vake,+ akaita kuti zita rake rive nemukurumbira+ paakavaitira zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa.+ Makadzinga marudzi navanamwari vawo muchiitira vanhu venyu vamakadzikinura muIjipiti.

  • Isaya 63:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Iye akaita kuti ruoko rwake runokudzwa ruende neruoko rwerudyi rwaMozisi,+

      Iye akakamura mvura pamberi pavo+

      Kuti zita rake rive nemukurumbira nekusingaperi,+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe