-
Jeremiya 25:9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 ndiri kushevedza mhuri dzese dzekuchamhembe,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndiri kushevedza Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, mushumiri wangu,+ uye ndichavaunza kuti varwise nyika ino+ nevagari vayo nemarudzi aya ese akavapoteredza.+ Ndichaita kuti vaparadzwe, ndovaita chinhu chinotyisa uye chinoridzisa muridzo uye dongo nekusingaperi.
-
-
Ezekieri 29:19, 20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
19 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndiri kupa Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi nyika yeIjipiti,+ uye achatakura pfuma yayo, oipamba nekuitorera zvinhu zvayo zvizhinji; uye zvichava mubhadharo weuto rake.’
20 “‘Ndichamupa nyika yeIjipiti kuti ndimubhadhare basa raakaita rekuirwisa,* nekuti vakandiitira basa,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.
-