4 Bakatwa richauya kuzorwisa Ijipiti, uye vaItiopiya vachatya kwazvo vanhu pavachati katakata vaurayiwa muIjipiti;
Upfumi hwayo huchatorwa uye nheyo dzayo dzichaputswa.+
5 Itiopiya,+ Puti,+ Rudhi, nevanhu vese vekune dzimwe nyika,
NeKubhi, nevanakomana vemunyika yesungano,
Vese vachaurayiwa nebakatwa.”’