-
Jeremiya 31:8, 9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Ndiri kuvadzosa kubva kunyika yekuchamhembe.+
Ndichavaunganidza vachibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+
Pakati pavo pachava nemapofu nevakaremara,+
Mukadzi ane pamuviri pamwe chete neari kusununguka.
Vachadzoka kuno vari ungano huru.+
Ndichavatungamirira pavanenge vachiteterera kunzwirwa nyasha.
Ndichavatungamirira kuhova dzemvura,+
Mugwara rakarurama ravasingazogumburwi.
Nekuti ndiri Baba vaIsraeri, uye Efremu ndiye dangwe rangu.”+
-