1 Madzimambo 9:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Imba iyi ichasara yangova matongo.+ Munhu wese anopfuura nepairi acharamba akatarisa achishamisika uye acharidza muridzo oti, ‘Nei Jehovha akaita zvakadai panyika iyi nepaimba iyi?’+ Jeremiya 19:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Ndichaita kuti guta rino rive chinhu chinotyisa uye chinhu chinoita kuti vanhu varidze muridzo. Munhu wese achapfuura nemariri acharamba akatarisa achitya uye acharidza muridzo pamusoro pematambudziko aro ese.+ Mariro 2:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Vese vanopfuura nemugwagwa vanokurovera maoko zvekutsvinya.+ Vanoridza muridzo vachishamisika+ uye vanodzungudzira mwanasikana weJerusarema misoro, vachiti: “Ndiro here guta riya ravaiti nezvaro, ‘Rizere nerunako, mufaro wenyika yese’?”+ Mika 6:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 Nekuti munoteerera mirau yaOmri muchitevera mabasa ese eimba yaAhabhi+Uye munotevera mazano avo. Ndokusaka ndichaita kuti muve chinhu chinotyisaUye kuti vagari vemuguta racho vave chinhu chinoridzisa muridzo;+Muchashorwa nemarudzi.”+
8 Imba iyi ichasara yangova matongo.+ Munhu wese anopfuura nepairi acharamba akatarisa achishamisika uye acharidza muridzo oti, ‘Nei Jehovha akaita zvakadai panyika iyi nepaimba iyi?’+
8 Ndichaita kuti guta rino rive chinhu chinotyisa uye chinhu chinoita kuti vanhu varidze muridzo. Munhu wese achapfuura nemariri acharamba akatarisa achitya uye acharidza muridzo pamusoro pematambudziko aro ese.+
15 Vese vanopfuura nemugwagwa vanokurovera maoko zvekutsvinya.+ Vanoridza muridzo vachishamisika+ uye vanodzungudzira mwanasikana weJerusarema misoro, vachiti: “Ndiro here guta riya ravaiti nezvaro, ‘Rizere nerunako, mufaro wenyika yese’?”+
16 Nekuti munoteerera mirau yaOmri muchitevera mabasa ese eimba yaAhabhi+Uye munotevera mazano avo. Ndokusaka ndichaita kuti muve chinhu chinotyisaUye kuti vagari vemuguta racho vave chinhu chinoridzisa muridzo;+Muchashorwa nemarudzi.”+