RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 25:9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 ndiri kushevedza mhuri dzese dzekuchamhembe,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndiri kushevedza Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, mushumiri wangu,+ uye ndichavaunza kuti varwise nyika ino+ nevagari vayo nemarudzi aya ese akavapoteredza.+ Ndichaita kuti vaparadzwe, ndovaita chinhu chinotyisa uye chinoridzisa muridzo uye dongo nekusingaperi.

  • Jeremiya 28:14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndichaisa joko resimbi pamutsipa wemarudzi aya ese, kuti ave pasi paMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, uye iwo achava pasi pake.+ Ndichamupa kunyange mhuka dzesango.”’”+

  • Jeremiya 43:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Ubve wati kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndiri kushevedza Nebhukadhinezari* mambo weBhabhironi, mushumiri wangu,+ uye ndichaisa chigaro chake cheumambo pamusoro pematombo iwaya andaviga, uye achatambanudzira tende rake reumambo pamusoro pawo.+

  • Dhanieri 2:37, 38
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 37 Imi mambo wemadzimambo, uyo akapiwa umambo,+ nesimba, neukuru, nekukudzwa naMwari wekudenga, 38 uye akapiwa vanhu vari kwese kwese, nemhuka dzesango neshiri dzedenga, uye akagadzwa kuti azvitonge zvese,+ imi ndimi musoro wegoridhe.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe