RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Makoronike 36:20, 21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 20 Akatapawo vaya vakapona pabakatwa,+ akaenda navo kuBhabhironi, uye vakava varanda vake+ nevevanakomana vake kusvikira umambo hwePezhiya hwatanga kutonga,+ 21 kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, kusvikira nyika yabhadhara masabata ayo.+ Mazuva ese ayaiva dongo, yakachengeta sabata, kuti makore 70 azadziswe.+

  • Ezra 1:1-3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 1 Mugore rekutanga raMambo Koreshi+ wePezhiya, kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, Jehovha akaisa pfungwa mumwoyo maMambo Koreshi wePezhiya yekuti azivise shoko muumambo hwake hwese, iro raakabva anyorawo,+ achiti:

      2 “Zvanzi naMambo Koreshi wePezhiya, ‘Jehovha Mwari wedenga akandipa umambo hwese hwenyika,+ uye akandirayira kuti ndimuvakire imba muguta reJerusarema,+ riri muJudha. 3 Munhu wese ari pakati penyu anomushumira, Mwari wake ngaave naye, uye ngaakwidze aende kuguta reJerusarema riri muJudha, anovakazve imba yaJehovha Mwari waIsraeri, ndiye Mwari wechokwadi uyo ane imba yaiva muJerusarema.*

  • Dhanieri 9:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 gore raakatanga kutonga, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva mumabhuku* kuwanda kwemakore aizopera Jerusarema riri dongo,+ akataurwa mushoko raJehovha kumuprofita Jeremiya. Aiva makore 70.+

  • Zekariya 1:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Saka ngirozi yaJehovha yakati: “Jehovha wemauto, muchasvika riini musinganzwiri guta reJerusarema nemaguta eJudha tsitsi,+ ayo amakatsamwira kwemakore aya 70?”+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe