-
Dheuteronomi 30:1-4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 “Kana mashoko ese aya aitika kwauri, chikomborero nekutukwa zvandaisa pamberi pako,+ wozviyeuka mupfungwa dzako*+ uri kunyika dzaunenge waparadzirwa kwadziri naJehovha Mwari wako,+ 2 wodzoka kuna Jehovha Mwari wako,+ woteerera inzwi rake maererano nezvese zvandiri kukurayira nhasi, iwe nevanakomana vako, nemwoyo wako wese nemweya* wako wese,+ 3 Jehovha Mwari wako achabva adzosa vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira tsitsi,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ese aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+ 4 Kunyange kana vanhu vako vakaparadzirwa kunogumira matenga, Jehovha Mwari wako achakuunganidza uye achakudzosa.+
-
-
1 Madzimambo 8:47, 48Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
47 vobva vazopengenuka vari munyika yavakatapwa,+ vodzoka kwamuri+ voteterera kwamuri kuti muvanzwire nyasha vari munyika yevanhu vakavatapa,+ vachiti, ‘Takatadza uye takakanganisa; takaita zvakaipa,’+ 48 uye vodzoka kwamuri nemwoyo yavo yese+ nemweya* yavo yese vari munyika yevavengi vavo vanenge vavatapa, vonyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo, nekuguta ramakasarudza nekuimba yandakavakira zita renyu,+
-