RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 26:27, 28
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 27 Uye akatora kapu, akaonga ndokuvapa, achiti: “Mese inwai,+ 28 nekuti iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa vazhinji+ kuti vakanganwirwe zvivi.+

  • Ruka 22:20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 20 Akaitawo izvozvo nekapu pavakanga vapedza kudya kwemanheru, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano itsva+ muropa rangu,+ ramuchadururirwa.+

  • 1 VaKorinde 11:25
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 25 Akaitawo saizvozvo nekapu,+ pavakanga vapedza kudya kwemanheru, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano itsva+ muropa rangu.+ Rambai muchiita izvi, pese pamunonwira mairi, muchindiyeuka.”+

  • VaHebheru 8:8-12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 Nekuti iye anoratidza vanhu kuti vakakanganisa paanoti: “‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,* ‘andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. 9 Ichange yakasiyana nesungano yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,+ nekuti havana kuramba vari musungano yangu, saka ndakanga ndisisina shungu navo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.*

      10 “‘Nekuti iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri kana mazuva iwayo apfuura,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.* ‘Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo, uye ndichainyora mumwoyo mavo.+ Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.+

      11 “‘Uye hapana achazodzidzisazve mumwe wake uye hama yake, achiti: “Ziva Jehovha!”* Nekuti vese vachandiziva, kubvira kumudiki wavo kusvika kumukuru. 12 Nekuti ndichavanzwira tsitsi pamabasa avo asina kururama, uye handizoyeukizve zvivi zvavo.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe