RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 33:8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 Ndichadzinatsa pazvivi zvadzo zvese zvadzakanditadzira,+ uye ndichadziregerera zvivi zvadzo zvese uye kunditadzira kwadzakaita.+

  • Jeremiya 50:20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 20 “Mazuva iwayo uye panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

      “Mhosva yaIsraeri ichatsvagwa,

      Asi ichashayikwa,

      Uye zvivi zvaJudha zvichashayikwa,

      Nekuti ndichakanganwira vaya vandakasiya vari vapenyu.”+

  • Mateu 26:27, 28
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 27 Uye akatora kapu, akaonga ndokuvapa, achiti: “Mese inwai,+ 28 nekuti iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa vazhinji+ kuti vakanganwirwe zvivi.+

  • VaHebheru 8:10-12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 “‘Nekuti iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri kana mazuva iwayo apfuura,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.* ‘Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo, uye ndichainyora mumwoyo mavo.+ Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.+

      11 “‘Uye hapana achazodzidzisazve mumwe wake uye hama yake, achiti: “Ziva Jehovha!”* Nekuti vese vachandiziva, kubvira kumudiki wavo kusvika kumukuru. 12 Nekuti ndichavanzwira tsitsi pamabasa avo asina kururama, uye handizoyeukizve zvivi zvavo.’”+

  • VaHebheru 9:15
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 15 Ndokusaka Kristu ari murevereri wesungano itsva,+ kuitira kuti sezvo paine munhu akafa kuti ivo vasunungurwe nerudzikinuro+ pazvitadzo zvavakaita vari pasi pesungano yekare, vaya vakadanwa vagamuchire vimbiso yenhaka isingaperi.+

  • VaHebheru 10:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Unobva watizve: “Uye handizoyeukizve zvivi zvavo nemabasa avo ekusateerera mutemo.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe