RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 26:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Ndichafamba pakati penyu, ndova Mwari wenyu,+ uye imi muchavawo vanhu vangu.+

  • Ezekieri 11:19, 20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 Ndichavapa mwoyo mumwe chete,+ uye ndichaisa mweya mutsva mavari;+ uye ndichabvisa mwoyo wedombo mumiviri yavo+ ndovapa mwoyo wenyama,*+ 20 kuti vafambe mumirau yangu uye vachengete mitongo yangu vachiiteerera. Vachabva vava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.”’

  • Ezekieri 43:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Akati kwandiri:

      “Mwanakomana wemunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu cheumambo+ nenzvimbo yetsoka dzangu,+ yandichagara pakati pevaIsraeri nekusingaperi.+ Vanhu veIsraeri nemadzimambo avo havazosvibisizve zita rangu dzvene+ neunzenza hwavo hwekunamata uye nezvitunha zvemadzimambo avo.

  • Hosiya 2:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Ndichamudyara panyika sembeu kuti ave wangu,+

      Uye ndichanzwira tsitsi uya akanga asina kunzwirwa tsitsi;*

      Ndichati kune vaya vasiri vanhu vangu:* “Muri vanhu vangu,”+

      Uye ivo vachati: “Muri Mwari wedu.”’”+

  • Zvakazarurwa 21:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Ndakabva ndanzwa inzwi guru richibva kuchigaro cheumambo richiti: “Tarisa uone! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe