12 Asi pane vamwe vaJudha vamakagadza kuti vatungamirire dunhu reBhabhironi vanoti, Shadreki, Misheki, naAbhedhinego.+ Varume ava havana kukuremekedzai, imi mambo. Havasi kushumira vanamwari venyu, uye vari kuramba kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”