Genesisi 49:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Tsvimbo yeumambo haizobvi kuna Judha,+ uye mudonzvo wemutungamiriri hauzobvi pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro* auya,+ uye marudzi achamuteerera.+ Pisarema 2:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Achiti: “Ini pachangu ndakagadza mambo wangu+PaZiyoni,+ gomo rangu dzvene.” Mateu 6:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Umambo hwenyu+ ngahuuye. Kuda kwenyu+ ngakuitwe, panyika, sekudenga.+ Ruka 22:29 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 uye ndinoita sungano nemi, saBaba vangu vakaita neni sungano yeumambo,+ Johani 18:36 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 36 Jesu akapindura kuti:+ “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.+ Dai Umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vateveri vangu vangadai varwa kuti vaJudha varege kundisunga.+ Asi zviripo ndezvekuti, Umambo hwangu hahubvi panyika ino.” Zvakazarurwa 11:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Uye manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava Umambo hwaShe wedu+ nehwaKristu wake,+ uye iye* achatonga samambo nariini nariini.”+ Zvakazarurwa 20:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Munhu wese anomuka pakumuka kwekutanga+ anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri+ haruna simba pana ivava,+ asi vachava vapristi+ vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho 1 000.+
10 Tsvimbo yeumambo haizobvi kuna Judha,+ uye mudonzvo wemutungamiriri hauzobvi pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro* auya,+ uye marudzi achamuteerera.+
36 Jesu akapindura kuti:+ “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.+ Dai Umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vateveri vangu vangadai varwa kuti vaJudha varege kundisunga.+ Asi zviripo ndezvekuti, Umambo hwangu hahubvi panyika ino.”
15 Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Uye manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava Umambo hwaShe wedu+ nehwaKristu wake,+ uye iye* achatonga samambo nariini nariini.”+
6 Munhu wese anomuka pakumuka kwekutanga+ anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri+ haruna simba pana ivava,+ asi vachava vapristi+ vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho 1 000.+