-
Isaya 9:7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 Utongi hwake huchangoramba huchikura*
Uye kana ruri rugare ruchangoramba ruripo+
Pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake,
Kuti ahusimbise+ uye ahutsigire
Kuburikidza nekutonga zvakanaka+ uye kururama,+
Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.
Jehovha wemauto uyo anoshingaira, achazviita.
-
-
Dhanieri 7:13, 14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 “Ndakaramba ndakatarisa zvinhu zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe munhu akafanana nemwanakomana wemunhu+ achiuya aine makore ekudenga; akasvika kune Wemazuva Mazhinji,+ uye vakamuswededza pamberi pake. 14 Akapiwa ushe+ nekukudzwa,+ neumambo, kuti vanhu vemarudzi ese, nenyika, nemitauro yakasiyana-siyana vamushumire.+ Ushe hwake ushe hunogara nekusingaperi, husingazobviswi, uye umambo hwake hahuzoparadzwi.+
-