7 Regai ndizivise murau waJehovha;
Akati kwandiri: “Ndiwe mwanakomana wangu;+
Nhasi ndava baba vako.+
8 Ndikumbire, uye ndichakupa marudzi kuti ave nhaka yako
Uye migumo yenyika kuti ive yako.+
9 Uchaaputsa netsvimbo yeumambo yesimbi,+
Uye uchaapwanya semudziyo wakaumbwa.”+