-
Ezekieri 37:24, 25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 “‘“Mushumiri wangu Dhavhidhi achava mambo wavo,+ uye vese vachava nemufudzi mumwe chete.+ Vachafamba mumitongo yangu uye vachachengeta mirau yangu yese.+ 25 Vachagara munyika yandakapa mushumiri wangu Jakobho, maigara madzitateguru enyu,+ uye vachagara mairi nekusingaperi,+ ivo nevana vavo nevazukuru vavo;+ uye mushumiri wangu Dhavhidhi achava jinda ravo nekusingaperi.+
-
-
Amosi 9:11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 ‘Zuva iroro ndichamutsa dumba* raDhavhidhi+ rakawa.
Ndichagadzira makaputswa,
Uye ndichavaka pamatongo aro;
Ndicharivaka rodzokera pane zvarakanga rakaita kare,+
-
Ruka 1:31-33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
31 Uye uchava nepamuviri, wobereka mwanakomana,+ uye unofanira kumutumidza kuti Jesu.+ 32 Uyu achava mukuru+ uye achanzi Mwanakomana weWekumusorosoro,+ uye Jehovha* Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi,+ 33 uye achava Mambo paimba yaJakobho nekusingaperi, uye Umambo hwake hahuzogumi.”+
-
-
-