RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 1:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Machinda ako akaoma musoro uye ishamwari dzembavha.+

      Ese zvawo anoda chiokomuhomwe uye anotoita zvekudzingirira zvipo.+

      Havatongi nyaya dzenherera zvakanaka,

      Uye nyaya inounzwa nechirikadzi haitombosviki kwavari.+

  • Isaya 5:20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 20 Vane nhamo vaya vanoti zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka,+

      Vaya vanoisa rima panzvimbo pechiedza uye chiedza panzvimbo perima,

      Vaya vanoisa zvinovava panzvimbo pezvinotapira uye zvinotapira panzvimbo pezvinovava!

  • Isaya 5:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Vaya vanoti munhu akaipa haana mhosva nekuda kwechiokomuhomwe+

      Uye vasingatongeri munhu akarurama zvakanaka!+

  • Ezekieri 22:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Vanhu vako vanopiwa chiokomuhomwe kuti vadeure ropa.+ Paunokweretesa unobhadharisa mubereko+ uchiita zvechimbadzo, uye unotorera vavakidzani vako mari nechisimba.+ Wandikanganwa zvachose,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe