-
Dheuteronomi 28:49-51Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
49 “Jehovha achatuma rudzi runobva kure+ kuti rukurwise, runobva kumugumo wenyika; ruchakuhwapura sezvinoita gondo,+ rudzi rune mutauro wausinganzwi,+ 50 rudzi runotyisa, rusina basa nevakwegura uye rusinganzwiri tsitsi vadiki.+ 51 Vachadya zvipfuwo zvako zvichaberekwa uye zvibereko zvevhu rako kusvikira waparadzwa. Havana kana chavachasiya pazviyo, waini itsva kana mafuta, mhuru kana makwayana ako kusvikira vakuparadza.+
-
-
Jeremiya 5:15-17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 “Ndiri kukuunzirai rudzi runobva kure, haiwa imi imba yaIsraeri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Irwo rudzi runogara kwenguva refu.
16 Homwe yavo yemiseve yakaita seguva rakavhurika;
Vese zvavo varwi vane simba.
17 Vachadya zvamakakohwa nechingwa chenyu.+
Vachaparadza vanakomana venyu nevanasikana venyu.
Vachadya makwai enyu nemombe dzenyu.
Vachadya mizambiringa yenyu nemionde yenyu.
Vachaparadza nebakatwa maguta enyu akakomberedzwa nemasvingo amunovimba nawo.”
-
-
Jeremiya 6:22, 23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 Zvanzi naJehovha:
“Onai! Kune vanhu vari kuuya vachibva kunyika yekuchamhembe,
Uye pachamutswa rudzi rukuru runobva kumativi ari kure kwazvo enyika.+
23 Vachabata uta nepfumo diki.
Vane utsinye uye havazovi netsitsi.
Inzwi ravo richatinhira segungwa,
Uye vakatasva mabhiza.+
Vanoronga uto ravo semurume wehondo kuti varwe newe, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni.”
-
-
Ezekieri 23:22, 23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 “Saka iwe Ohoribha, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kuita kuti upandukirwe nevadiwa vako+ vawakasema ukavasiya, uye ndichavaunza kuti vakurwise vachibva kwese kwese,+ 23 vanakomana vekuBhabhironi+ nevaKadheya vese,+ varume vekuPekodhi+ neShoa neKoa, pamwe chete nevanakomana vese veAsiriya. Vese zvavo majaya akanaka uye magavhuna nevatevedzeri vevatongi, varwi vakaita zvekusarudzwa, uye vese vari pamabhiza.
-