Ruka 6:37 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 37 “Zvakare, regai kutonga, kuti imi murege kutongwawo;+ uye regai kuwanira vamwe mhosva, kuti imi murege kuwanirwawo mhosva. Rambai muchiregerera,* uye mucharegererwawo.*+ VaRoma 2:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 Saka iwe munhu, kana uchitonga vamwe, haugoni kunzi hauna mhosva, pasinei nekuti ndiwe ani;+ nekuti pauri kutonga mumwe, uri kuzvipa mhosva, nekuti iwe wacho unotonga unoitawo zvaari kuita iye.+ VaRoma 14:13 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 13 Saka ngatichiregai kutongana,+ asi ngatiedzei kusaisa pamberi pehama chinhu chinoigumbura kana chinoitadzisa kufamba.+
37 “Zvakare, regai kutonga, kuti imi murege kutongwawo;+ uye regai kuwanira vamwe mhosva, kuti imi murege kuwanirwawo mhosva. Rambai muchiregerera,* uye mucharegererwawo.*+
2 Saka iwe munhu, kana uchitonga vamwe, haugoni kunzi hauna mhosva, pasinei nekuti ndiwe ani;+ nekuti pauri kutonga mumwe, uri kuzvipa mhosva, nekuti iwe wacho unotonga unoitawo zvaari kuita iye.+
13 Saka ngatichiregai kutongana,+ asi ngatiedzei kusaisa pamberi pehama chinhu chinoigumbura kana chinoitadzisa kufamba.+